Zvekufarm ndaitombonyanya kusabata, zvese zvainge zvichiitwa nemaneja wangu VaMaguraushe. Vaitengesa, vachiita accounting, ini ndaingova munhu wemasvomhu, kuverenga profit and loss, uye kufunga nezvemangwana. Semunhu akambotora short course ye business management ndichiendererawo kumisangano yakasiyana, ndaiona sokuti basa rangu ndere kufunga maplans, kwete kusweropinda mumafuro.
“Morning mommy…” Ndakacheuka ndikawona mwanakomana wangu Leon achipinda mukicheni, achibata ruoko rwemwanasikana wangu mudiki, Larona. Vaviri ava vakange vachiita zvekusekana, vachiratidzana mate uye ma funny faces avo vachiseka kusvikira vatosiya kutarisa ini.
“Mornin’ nana… Laro…” Ndakadaro.
“Mama!” vakadaro pamwechete, vachindipindura nenzira yekuseka.
“Lee, mageza kumeso here?” ndakabvunza.
“Yeshhh, tagezhaaa…” akapindura, asi zviri pachena kuti aitaura nesisi yake. Ndipo pakatanga kusekwa kwavo zvakare.
Ndanga ndiri amai vemazuva ano, vana vangu vari vaviri. Mari ndaive nayo zvakanaka, asi dambudziko raingova rimwe chete—ndiri single mother. Munhu wese anoziva kuti kuva single mother kunouya nemalevels aro. Kana une one child zvimwe zvichiri nyore, asi kana wave ne vaviri zvinoita sokuti hupenyu hwotanga kukunetsa.
Ndakabika cerevita yevana vangu, nekuti havana kumbojairira mukaka—vaive lactose intolerant. Ndaitombonakidzwa nekuita zvinhu zvavo ndega, kunyange ndaive nemaid. Ndakada kuzvipa nguva yese kuvana vangu kuti vasanyanya kunzwa kushaikwa kweimwe parent.
Leon aive nemakore gumi, ari mugiredhi 5, uye Larona aine 3, achienda ku daycare pedyo nepamba. Asi chimwe chandakanga ndacherechedza ndechekuti Larona aisagona kusara kumba pasina bhudhi vake. Saka ndaigara ndichiona kuti kana Leon achienda kuchikoro, naiye anoendeswa. Vaifarirana zvekuti ka hug kaLarona kanosunga bhudhi vake zvokuti waizomununura pakupedzisira.
Chokwadi ndechekuti vaviri ava vaidanana zvakanyanya zvekuti ndaigara ndichingoshaya mashoko. Asi pasi pezvese izvi paiva nechokwadi chakavanzika—Leon aisava mwana wangu wepabonde. Akanga ari mwana wevakafa, Derrick Macheka, murume wandakambova naye muhukama hune nyaya dzakawanda.
Pakafa Derrick nevakadzi vake vachipinda muropa rehondo yavo, Leon ndiye akasara achirarama. Mushure merufu ravo, akatanga kugara navabereki vake kuMurehwa, asi hazvina kutora nguva. Will yakaverengwa muguta, yakanyorwa naDerrick pachake, ichitsanangura zvese zvaasara nazvo.
Will yacho yakandipa zvinhu zvose: farm, imba, mari iri mubank, uye chibereko chese, asi paine condition—ndinofanira kuchengeta Leon kusvika ave nemakore 21, uye zvinhu zvese zvopedzisira zvava zvake. Zvimotokari zvese zvaidiwa kuti zvitengeswe, uye mari iende kuvabereki vake.
Ndakaudzwa kuti paiva netsamba yakanyorerwa ini ndega. Ndakabata chinyorwa chacho zvemaoko kudedera, ndikavhura. Mukati, Derrick akataura chokwadi—akandiudza kuti akanga ari munyori we mabhuku ainyorwa pasi pezita reVioline, akandiudza kuti muhupenyu hwese haana kumbonzwa rudo rwechokwadi asi paari neni ndizvo zvakanga zvatosiyana. Akandiudza kuti mimba yaive mandiri ngaisabviswe, mwana uya ndiye aizozivikanwa saLarona kana Leeroy, zvichienderana kuti achange ari musikana kana mukomana.
Asi chikuru—akandikumbira kuti nditore Leon semwana wangu, kuti agare nehanzvadzi yake, kuti vaviri ava vakure vakabatana. Akanyora achindivimba, achiti: “I trust you Shanillar.”
Ndakapedza kuverenga tsamba iyi misodzi ichiyerera. Ndakati zvinyoronyoro, “Yes… yes… I will do it love.” Ipapo ndipo pakatanga rwendo rutsva rweupenyu hwangu—Leon akava mwana wangu wekutanga, uye mimba yaLarona yakaramba ichikura mukati mangu.
Kubvira pazuva randakatambira Leon, ndakamuda semwana wangu. Kumusha ndakanga ndichinzi “mai Leon,” asi chokwadi ndechekuti ndaiva nemwana mukuru wandakapiwa nerudo, kwete neropa.
Kunyange zvakaita kuti vandivengere muchechi, vachindishora, vachindipa zita rekuti ndakangoita zveblesser, ini ndakaziva chokwadi. Chokwadi ndechekuti mimba haina kunyepa, uye Leon akanga ava chikamu chemhuri yangu. Upenyu hwangu muMasasa hwakatanga ipapo, pamwechete nevana vaviri vandinoda kudarika zvese.
Ndiko kwakazova kutanga kweMapisarema angu—rudo, misodzi, uye kuporesa maronda ekare.
End of Chapter One
With Love, Shanillar