Zvinozivikanwa, kana munhu akatova mukadzi anotorwa sechiitiko chevanhu, asi kana mukadzi achinzi ndiye ane mhosva, nhamo yacho inopfuura. Ndaifamba mumugwagwa ndichinzwa mazwi achiputika nemashoko akadai se: “Akatotanga hupenyu hutsva, saka hapana pfuma yaanofanira kupiwa.” Kana kuti: “Ko murume wake achangofa zvino, iye ava kutenga mapundu naTawanda?”
Dare rakasangana zvakare zuva rakatevera. Gweta remhuri yaDerrick rakaburitsa pepa racho richinzi riratidze kuti ini handina kuzvipira kune zvandaipiwa. Vakatamba nemazwi avo vachiti:
“Mutongi, pano tine humbowo hunoratidza kuti mukadzi uyu ari kushandisa pfuma yemufi kutsvaga hupenyu hutsva. Izvi zvinoratidza kuti pfungwa dzemufi pakusaina will dzakanga dzakanganiswa nemunhu asingadi chokwadi asi achitsvaga zvake zvimwe.”
Mazwi avo akandirova nemauto. Zvaiita sekuti chokwadi chaive chiri mumaoko avo, kunyange zvazvo zvaisava zvechokwadi. Lawyer wangu akamira zvakasimba, achiramba nekuti nyaya yepa newspaper haina humbowo hwepamutemo, asi ndakaona mutongi achitsika-tsika, maziso ake achiratidza kusava nechokwadi.
Pandakaona Tawanda akagara kumashure, ndakaziva kuti ndiye chipikiri chiri kupondaponda hondo yangu. Haana kutaura, haana kuita chinhu, asi kuvapo kwake kwakava mhosva yangu huru. Ndakamutarisa ndikaona achindipa ziso rekundisimbisa, asi mukati mangu ndaiita kunge ndava kumuramba. Rudo rwaive rwatanga kuve mutoro.
Husiku ihwohwo, ndakagara pamubhedha ndichitarisa vana vangu vachivata. Ndakabata ruoko rwaLeon, ndichinzwa kuoma kwehupenyu huri kutakura pamapfudzi angu. Larona akanga akarara nerunyararo, asi ndainzwa kutya kukuru kuti rimwe zuva zvese izvi zvichazotora rugare rwavo.
Ndakafunga nezvaDerrick, nezvetsamba yake yakazara rudo uye kuvimba. Ko dai iye ari mupenyu, aizoti chii pamusoro pangu naTawanda? Mubvunzo uyu wakandipisa moyo, ndichinzwa sokuti ndiri kutadza kunyatso kuchengetedza zvese zvaandisiira.
Zvakatonyanya kundibaya ndiri pakati pehusiku pandakagamuchira sms kubva kunhamba isina kuzivikanwa:
“Unofunga kuti wakachengeteka? Wese munhu anoziva chokwadi. Vana vako havasi vako chete, uye nguva yava pedyo yekuti icho chokwadi chibude. Gara wakamirira.”
Ndakatarisa screen yerunhare rwangu, maoko angu achidedera. Handina kuratidza message iyoyo kuna Tawanda kana kuna lawyer wangu, asi ndakaziva kuti mumwe munhu akanga ari mukati meupenyu hwangu akanga achinditevera. Mumwe munhu aida kundipwanya zvishoma nezvishoma kusvika ndaparara.
Ndakarara zvishoma, pfungwa dzangu dzichinzwa sekunge ndiri kurarama muhusiku husina magumo. Asi pandakavhara maziso angu, ndakazvipikira chinhu chimwe chete: kana paine munhu ari kuda kutora rugare rwevana vangu, achasangana neni — uye ndichava moto unopfuta kupfuura mhirizhonga yavo yose.
End of Chapter Six
With Love, Shanillar