Posts

Mapisarema: Chapter Three – The Unspoken Battles of Blood and Inheritance

Hupenyu hwaMasasa hwanga husingori hwekubata mabasa ezuva nezuva chete, asi zvakare hwekurwisana nemimvuri isingataurwi. Ndaigara muimba yakapiwa mu will yaDerrick, asi chero bedzi ndichifamba muguta, ndainzwa meso achinditevera. Vamwe vaindiona sevakadzi vepamusoro, vamwe vachindiona sehure rakazvipa kumari. Zvandakanga ndisingazive, kana zvandaitarisa, zvaive zvekuti vanhu vese vanogara vachida kupa nyaya dzavo pamusoro pako kana ukangove munhu akasiyana navo.

Ndakadzidza kurarama nekushora, asi handina kumbodzidza kuzarura moyo wangu nyore nyore. Ndakaziva kuti murume wangu akambondida nerudo rwake rwekupedzisira, asi murudo rwacho makange makavanda makore erima. Zvese zvakanga zvakandisiyira mutoro wandaisafanira, mutoro wekudzivirira vana vaviri kubva kumhuri yakaora mwoyo.

Zvakatanga zvishoma nezvishoma. Pakutanga zvanga zviri zvemashoko anenge makuhwa. Vamwe vaiti: “Shanillar akanyengerera Derrick kuti amupe pfuma.” Vamwe vaiti: “Hazvigoni kuti mwana asingabve muropa achengetwe semuridzi wezvinhu zve mhuri.” Zvese izvi zvaiparadzirwa nehama dzaDerrick, dzimwe nguva vachizviita pachena, dzimwe nguva vachindisvitsa nema indirects kuburikidza nevanhu mu community.

Ndakayeuka zuva rimwe ndichienda kumusika, ndichitenga zvinhu zvemumba. Tete Dinnah, mukadzi akambonditarisa nenyoka muropa panguva yekuverengwa kwe will, vakandisangana pakati pevanhu vakawanda. Vakanditarisa zvine kutsamwa, vachiti:
“Uri kuzvifunga sei mwana wevasina chiremera? Uri kufunga kuti unogona kutora zvese zve mhuri yedu nokuti murume akakupembedza mu mapepa ake?”

Ruzhinji rwakatarisa, asi ini ndakaburitsa chete maoko angu ndichiti zvinyoronyoro: “Ndiri kungotevera zvawasiya ari mupenyu. Handina chinhu chandakatora, zvese ndezvaLeon, mwana wake.”

Vakaseka zvekuzeya: “Mwana wake ndewe mhuri, kwete wega. Uri kuzviita sokuti une simba kupfuura ropa. Ropa hariperi. Uchazviona.”

Mashoko avo akandipfuura, asi mukati maishaya rugare. Kudzoka kumba, ndakawana Leon akagara neLarona, vachitamba nezvitoyi zvavo zvepurasitiki. Ndakabva ndazvibvunza, kana dzimwe hama dzavo dzichiramba kugamuchira chokwadi, zvichazopera sei kana vana ava vakura? Ko kana rimwe zuva Leon achiziva kuti baba vake vakasiya pfuma uye zvese izvi zviri pamazita angu, asi hama dzavo dzichiramba?

Rimwe zuva lawyer akandisheedza kuhofisi. Akandipa gwaro rakanga rakatumirwa kubva kumukoma waDerrick, munhu akanga asingatauri zvakawanda pakaverengwa kwe will. Gwaro iri rakanga rakazara nemashoko akaita sekutuka, richiti will yakanga isiri yemutemo, kuti Derrick akanyengerwa, uye kuti Leon anofanira kudzorerwa kumhuri chaiyo.

“Shanillar,” lawyer akati, “kune mukana wekuti hama dzaDerrick dzinogona kuendesa nyaya kudare. Asi usatye, zvese zviri mumutemo. Will iyi yakasainwa zviri pamutemo, ine zvapupu, uye hapana anogona kuzvibvisa zviri nyore.”

Asi kunyange zvazvo mashoko ake akanga achindipa nyaradzo, moyo wangu wakanga uchiramba. Ndakaziva kuti zvinopfuura mutemo—zvaiva zvine chekuita neruvengo rwakadzika midzi, uye ruvengo irworwo runogona kutyora vana vangu kupfuura chero dare.

Kudzoka kumba kwandakatanga kuona kuti Leon ainge akura kupfuura zera rake. Akanga ava nemibvunzo yakawanda. Dzimwe nguva ndainzwa achibvunza Larona kuti:
“Sisi, kana tikakura, ticharamba tiri pamwe chete here? Kana kuti hama dzedu dzichatiudza kuti hatina kufanira kugara pano?”

Mashoko aya aibva kumwana ane makore gumi, asi akandivhundutsa. Zvaireva kuti zvose zvaiitika zvaipfuura nemuromo wevanhu kusvika mumusoro wemwana. Ndakamuudza zvinyoronyoro: “Lee, nzvimbo iyi ndeyako, imba ino ndeyako, uye ini ndiri amai vako. Hapana anogona kuzvibvisa kwauri.” Asi mukati maishaya chokwadi.

Kune rimwe divi, hupenyu hwemabhizinesi hwairamba huchifamba. Farm yaDerrick yakanga iri chikamu chikuru chehupfumi hwedu. Ndaitarisira ma profits, ndichifonera maneja wangu kuti andipe updates. Asi nguva nenguva ndaizviona ndakagara ndega usiku, ndichitarisa mufananidzo waDerrick wakanga wakaiswa mumba, ndichibvunza kuti: “Sei wakandisiya nebasa rakakura kudai? Sei wakandipa rudo rwekupedzisira pamwe chete nemutoro usingaperi?”

Ndaitambura nerusununguko rwangu. Kuve nemari hazvina kureva kuti ndaive nerufaro. Vamwe vakadzi vaigara vachinditarisa sokuti ndakakunda muhupenyu, asi chokwadi ndechekuti ndainzwa ndiri mujeri remasikirwo avo. Ndakanga ndiri amai vaviri, asi mukadzi asina murume. Zvainge zvakaoma kusangana nevanhu vechokwadi vaigona kundibata kwete semuridzi wepfuma, asi semunhu aida rudo.

Pakati pezvese izvi, zvimwe zvitsva zvakatanga kuoneka. Ndakatanga kugamuchira maSMS asingazivikanwi, achinditi: “Usafunga kuti nyaya iyi yapera. Tichauya kuzotora zvine chekuita neropa redu.” Vamwe vaizvifonera asi vakangoti: “Tisu ropa, kwete iwe.” Ndakanga ndichitya, asi handina kumboda kuti vana vangu vaone kutya kwangu. Ndakavhara zvese mukati, ndichiratidza kunyemwerera mberi kwavo.

Mumwe musi usiku, ndakagara padivi pemubhedha, Larona akarara pedyo neni, Leon akavhara kamuri yake. Ndakanzwa kutinhira kwemota kumira panze, vanhu vachitaura nezwi rakaderera. Ndakatarisa nepahwindo, ndikawona vanhu vatatu vakamira pedyo nemotokari yakasviba. Vakatarisa kuimba yangu kwechinguva, vakazobva. Asi kubva ipapo ndakatanga kuziva kuti mimvuri yakanditevera, uye hondo yangu yakanga isati yatanga zvachose.

Pakati pehupenyu hweMasasa, ndakaziva kuti nyika inoda kundiedza. Ndakaziva kuti mhuri yaDerrick yakanga isingazombogamuchira zvandakapiwa nyore. Ndakaziva kuti vana vangu vaizoda simba rinopfuura reshoko rangu rekuti “ndiri amai vako.” Vachazoda zvapupu, vachazoda chokwadi, uye rimwe zuva vachazoda kusarudza.

Asi imwe shoko rakagara mupfungwa dzangu kubva mutsamba yaDerrick: “Ndinokutenda Shanillar. Ndiwe chete wandinoziva kuti unogona kuvimba naye.” Izvi ndizvo zvakandipa simba rekumuka zuva rega rega, ndichichengeta Leon naLarona, kunyange nyika ichindipikisa.

Ndakazvipikira kuti hama dzake dzingauye nedare, dzingauye nemashoko, kana kunyange kutyisidzira, asi hapana chaizoita kuti ndisiye vana vangu. Ndakaziva kuti hondo yacho yakanga ichangotanga, asi zvakare ndakaziva kuti mhuri yedu yakavakwa nerudo yakasimba kupfuura ropa rinoparadzira ruvengo.

End of Chapter Three
With Love, Shanillar

Post a Comment

©️2025 Mysterious Blessingz All Rights Reserved Premium By 123Kurd Themes